Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 6:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Naizvozvo akavaka temberi, uye akaipedza, akaturika denga ramatanda namapuranga emisidhari.

10. Uye akavaka dzimba pamadziro etemberi yose. Imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti mashanu, uye dzakanga dzakabatanidzwa netemberi namatanda emisidhari.

11. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Soromoni richiti,

12. “Pane zvetemberi iyi yauri kuvaka, kana ukatevera mitemo yangu, ukaita zvandakatema, uye ukachengeta mirayiro yangu yose nokuiteerera, ipapo ndichazadzisa chivimbiso changu newe, chandakavimbisa baba vako Dhavhidhi.

13. Uye ndichagara pakati pavaIsraeri, uye handizorasi vanhu vangu vaIsraeri.”

14. Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza.

15. Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi.

16. Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi mavirii, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, nzvimbo Tsvene-tsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 6