Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 6:14-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Saka Soromoni akavaka temberi akaipedza.

15. Akaisa mapuranga emisidhari pamadziro etemberi nomukati, akaaroverera kubvira pasi kusvikira kumusoro, uye pasi pose pakanga pane mapuranga emusipuresi.

16. Akakamura necheshure kwetemberi chimwe chikamu chakanga chakareba makubhiti makumi mavirii, namapuranga emusidhari kubva pasi kusvika kumusoro kuti chive nzvimbo tsvene yomukati metemberi, nzvimbo Tsvene-tsvene.

17. Imba huru yakanga iri pamberi peimba iyi yakanga yakareba makubhiti makumi manaj.

18. Mukati metemberi makaitwa nemisidhari yakavezwa mifananidzo yemikombe namaruva akazaruka. Zvose zvaiva misidhari chete, hapana dombo raionekwa.

19. Akagadzira nzvimbo tsvene yomukati, mukatikati metemberi, kuti agogadzikapo areka yesungano yaJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 6