Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 20:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vakuru navanhu, vose vakapindura vakati, “Musateerera kwaari kana kubvumirana nezvaari kuda.”

9. Naizvozvo akapindura nhume dzaBhenihadhadhi akati, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Muranda wenyu achaita zvose zvamakamukumbira pakutanga, asi chikumbiro ichi chazvino handigoni kuchizadzisa.’ ” Vakasimuka vakaenda nemhinduro kwavakanga vabva, kuna Bheni-hadhadhi.

10. Saka Bheni-hadhadhi akatumira rimwe shoko kuna Ahabhu achiti, “Vamwari ngavaitewo kwandiri, vanyanyise kudaro, kana guruva ringakwana kupa mumwe nomumwe wamauto angu kuti azadze chanza chake rikasara muSamaria.”

11. Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Uyo anoshonga nhumbi dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza souyo anodzibvisa.’ ”

12. Bheni-hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta.

13. Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

14. Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?”Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’ ”Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?”Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”

15. Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe.

16. Vakasimuka masikati, Bheni-hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.

17. Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda.Zvino Bheni-hadhadhi akanga atuma vashori uye vakamuudza kuti, “Kune mauto ari kubva kuSamaria.”

18. Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”

19. Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 20