Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 2:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ipapo Jehovha achasimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangatongoshayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’

5. “Zvino iwe pachako unoziva zvandakaitirwa naJoabhu, mwanakomana waZeruya, zvaakaita kuvatungamiri vaviri vehondo dzaIsraeri, Abhuna mwanakomana waNeri, naAmasa mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akateura ropa ravo panguva yorugare sokunge vakanga vari muhondo, uye ropa iroro akarizora pabhanire raiva muchiuno chake napashangu dzetsoka dzake.

6. Ita zvaunogona naye nouchenjeri hwako, asi usatendera musoro wake wachena kuti upinde muguva norugare.

7. “Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizira wokuGireadhi, uye ngavave pakati paavo vanodya patafura yako. Vakamira neni pandakatiza mukoma wako Abhusaromu.

8. “Rangarira kuti unayewo Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini wokuBhahurimu, uyo akandituka zvakaipa kwazvo musi wandakaenda kuMahanaimu. Paakadzika kuzosangana neni paJorodhani, ndakapika kwaari naJehovha ndikati, ‘Handisi kuzokuuraya nomunondo.’

9. Asi zvino usamutora somunhu asina mhosva. Iwe uri murume ane uchenjeri, uchaziva zvokuita naye. Uburutsire musoro wake wachena, kuguva muropa.”

10. Ipapo Dhavhidhi akavata namadzibaba ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi.

11. Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni namakumi matatu namatatu muJerusarema.

12. Naizvozvo Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, ushe hwake hukasimbiswa.

13. Zvino Adhoniya, mwanakomana waHagiti, akaenda kuna Bhatishebha, mai vaSoromoni.Bhatishebha akamubvunza akati, “Ko, wauya norugare here?”Iye akapindura akati, “Hongu, norugare.”

14. Ipapo akaenderera mberi akati, “Ndine zvimwe zvandinoda kutaura kwamuri.”Iyewo akapindura akati, “Taura zvako.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 2