Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 14:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Akatonga kwamakore makumi maviri namaviri akazorora namadzibaba ake. Nadhabhi mwanakomana wake akamutevera paumambo.

21. Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni.

22. VaJudha vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Vakamutsa godo rake, kupfuura zvakaitwa namadzibaba avo, nezvivi zvavakaita.

23. Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru.

24. Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa namarudzi ayo akanga adzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

25. Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema.

26. Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.

27. Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo.

28. Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.

29. Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?

30. Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana.

31. Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 14