Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 12:3-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vakatuma nhume kundodana Jerobhoamu, iye neungano yose yeIsraeri vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari,

4. “Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi zvino chitirerutsirai basa rakaoma iri nomutoro unorema uyu wavakaisa pamusoro pedu, isu tigokushandirai.”

5. Rehobhoamu akapindura akati, “Chimboendai kwamazuva matatu mugodzoka kwandiri.” Saka vanhu vakaenda.

6. Ipapo Mambo Rehobhoamu akabvunza vakuru vakambenge vachishandira baba vake Soromoni vachiri vapenyu. Akati, “Mungandipa zano ripiko randingapindura naro vanhu ava?”

7. Vakapindura vakati, “Kana nhasi mukava muranda wavanhu ava mukavashandira nokuvapa mhinduro inofadza, vachazova varanda venyu nguva dzose.”

8. Asi Rehobhoamu akaramba zano raakanga apiwa navakuru akandobvunza majaya ezera rake aakanga akura nawo, avo vakanga vava kumushandira.

9. Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripiko? Tingavapindure seiko vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ”

10. Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

11. Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichaita kuti rireme kupfuura zvariri. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ”

12. Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzoka kuna Rehobhoamu, sezvo mambo akanga ati, “Mudzoke kwandiri mumazuva matatu.”

13. Mambo akapindura vanhu nehasha. Akarasa zano raakanga apiwa navakuru,

14. akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.”

15. Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe.

16. Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati:“Tino mugove weiko muna Dhavhidhi,nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese?Kumatende enyu, imi vaIsraeri! Iwe Dhavhidhi,chizvichengetera imba yako!”Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo.

17. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.

18. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema.

19. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

20. VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti iuye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi.

21. Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akaunganidza imba yose yaJudha norudzi rwaBenjamini, varume vehondo vaikwana zviuru zana namakumi masere, kuti varwe neimba yaIsraeri uye vadzosere umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 12