Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 10:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma.

2. Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake.

3. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire.

4. Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka,

5. zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa.

6. Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi.

7. Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa.

8. Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu!

9. Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisa noutsvene.”

10. Akapa mambo matarenda zana namakumi maviria egoridhe, zvinonhuwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni.

11. Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uye zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko.

12. Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 10