Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 9:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni.

12. Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.

13. Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, uye ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.

14. Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”

15. Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zvenguva yacho iyoyo, uye zuva iroro, nomwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chetatu chamarudzi avanhu.

16. Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.

17. Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.

18. Chetatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo.

19. Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo uye nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.

20. Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.

21. Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 9