Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 7:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.

2. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:

3. “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”

4. Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: Zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.

5. Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso,kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,

6. kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,

7. kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,

8. kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri,kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 7