Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 21:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”

9. Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”

10. Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, uye akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari.

11. Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro.

12. Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri uye navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri.

13. Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi uye matatu kumavirira.

14. Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pana mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.

15. Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.

16. Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhamha nokureba sourefu hwaro.

17. Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namanaa nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 21