Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 18:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,‘Ndigere samambokadzi;handizi chirikadzi, uye handingatongochemi.’

8. Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:rufu, kuchema nenzara.Achaparadzwa nomoto,nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.

9. “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema nokuungudza pamusoro paro.

10. Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure uye vagochema vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, Iwe guta guru,Iwe Bhabhironi, guta resimba!Kuparara kwako kwasvika munguva imwe chete!’

11. “Vashambadziri venyika vachachema nokuungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu anotenga nhumbi dzavozve,

12. nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;

13. nhumbi dzesinamoni nezvinonhuwira, mura nezvizoro zvinonhuwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.

14. “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’

15. Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema nokuungudza

16. uye vachadanidzira vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!

17. Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.

18. Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 18