Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 18:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Akadanidzira nenzwi guru achiti:“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa,ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.

3. Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro.Madzimambo enyika akaita upombwe naro,uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”

4. Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:“Budai mariri, vanhu vangu,kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;

5. nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,uye Mwari arangarira mhosva dzaro.

6. Ritsivei sokutsiva kwarakaita;ritsivei kaviri pane zvarakaita.Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.

7. Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,‘Ndigere samambokadzi;handizi chirikadzi, uye handingatongochemi.’

8. Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:rufu, kuchema nenzara.Achaparadzwa nomoto,nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.

9. “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema nokuungudza pamusoro paro.

10. Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure uye vagochema vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, Iwe guta guru,Iwe Bhabhironi, guta resimba!Kuparara kwako kwasvika munguva imwe chete!’

11. “Vashambadziri venyika vachachema nokuungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu anotenga nhumbi dzavozve,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 18