Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 16:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:“Imi makarurama mukutonga uku,imi muripo uye makanga muripo,Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;

6. nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”

7. Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Osekutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”

8. Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, uye zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.

9. Vakapiswa nokupisa kukuru uye vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.

10. Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, uye umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa

11. uye vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.

12. Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, uye mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.

13. Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.

14. Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.

15. “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama uye afukurwe zvinonyadzisa.”

16. Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.

17. Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, uye mutemberi makabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 16