Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 16:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. uye vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.

12. Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, uye mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.

13. Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.

14. Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.

15. “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama uye afukurwe zvinonyadzisa.”

16. Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.

17. Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, uye mutemberi makabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!”

18. Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.

19. Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake.

20. Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa.

21. Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 16