Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 13:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.

9. Ane nzeve, ngaanzwe.

10. Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,muutapwa achapinda hake.Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,nomunondo achaurayiwa hake.Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.

11. Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.

12. Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.

13. Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona.

14. Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama.

15. Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 13