Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 12:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:“Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika,uye nesimba raKristu wake.Nokuti mupomeri wehama dzedu,Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku,akandwa panyika.

11. Vakamukunda neropa reGwayanauye neshoko rokupupura kwavo;havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.

12. Naizvozvo farai,imi matenga nemi munogara maari!Asi mune nhamo imi nyika negungwa,nokuti dhiabhori aburuka kwamuri!Akatsamwa kwazvo,nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”

13. Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 12