Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani,

2. iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu.

3. Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.

4. Johani,Kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia:Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe,

5. nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika.Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake,

6. uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari wake naBaba, vake ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni.

7. Tarirai, ari kuuya namakore,uye meso ose achamuona,kunyange naivo vakamubaya;uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake.Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.

8. “Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 1