Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 7:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro; asi pakauya mutemo, chivi chakava noupenyu uye ini ndikafa.

10. Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu.

11. Nokuti chivi chichitora mukana wachakawaniswa nomutemo, chakandinyengera, uye kubudikidza nomutemo chikandiuraya.

12. Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.

13. Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.

14. Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handizi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi.

15. Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.

16. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.

17. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.

18. Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.

19. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.

20. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handizini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 7