Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 7:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handizini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.

21. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri.

22. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari;

23. asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.

24. Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu?

25. Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu!Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 7