Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 4:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo.

18. Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.”

19. Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo.

20. Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari,

21. achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.

22. Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.”

23. Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga,

24. asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa.

25. Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokushayirwa mhosva kwedu.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 4