Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 3:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?

2. Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.

3. Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?

4. Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura,uye mukunde pakutonga kwenyu.”

5. Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu).

6. Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 3