Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 16:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu.Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.

21. Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu.

22. Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She.

23. Gayosi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai.Erasitosi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai.

24. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.

25. Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura,

26. asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende,

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 16