Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 16:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu.Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.

11. Kwazisai Herodhioni, hama yangu.Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.

12. Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She.Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.

13. Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.

14. Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.

15. Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo.

16. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.

17. Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo.

18. Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 16