Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 16:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria.

2. Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo.

3. Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu.

4. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.

5. Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo.Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.

6. Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.

7. Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.

8. Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.

9. Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 16