Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 14:6-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.

7. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake.

8. Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe.

9. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.

10. Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.

11. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe,‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu;rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ”

12. Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

13. Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.

14. Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.

15. Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.

16. Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.

17. Nokuti umambo hwaMwari hauzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,

18. nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.

19. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.

20. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 14