Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 14:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.

5. Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.

6. Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.

7. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake.

8. Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe.

9. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.

10. Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.

11. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe,‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu;rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ”

12. Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

13. Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 14