Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 11:19-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.”

20. Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya.

21. Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.

22. Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa.

23. Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare.

24. Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?

25. Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira vaHedheni vakakwana vapinda.

26. Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi:“PaZioni pachabuda musununguri;achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.

27. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.”

28. Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba,

29. nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 11