Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 1:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.

9. Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai

10. muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri.

11. Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa,

12. ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu.

13. Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe vaHedheni.

14. Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera.

15. Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma.

16. Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera kumuHedheni.

17. Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”

18. Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo.

19. Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari.

20. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo.

21. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo isina zivo yakasvibiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 1