Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 3:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.

2. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

3. Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.

4. Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.

5. Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.

6. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya.

7. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama.

8. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu.

9. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake

10. uye mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa mukuziva mumufananidzo woMusiki wake.

11. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingisa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.

12. Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.

13. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.

Verenga chitsauko zvakakwana Vakorose 3