Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vakorose 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mirayiro yaMararamiro Matsvene

1. Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.

2. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

3. Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.

4. Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.

5. Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.

6. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya.

7. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama.

8. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu.

9. Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake

10. uye mukafuka munhu mutsva, anovandudzwa mukuziva mumufananidzo woMusiki wake.

11. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingisa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.

12. Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.

13. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.

14. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.

15. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.

16. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

17. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

Mitemo yavaKristu mudzimba dzavo

18. Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.

19. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.

20. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

21. Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.

22. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe.

23. Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,

24. sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.

25. Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.