Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 9:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa.

19. Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu.

20. Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.”

21. Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa zvose tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi.

22. Zvirokwazvo, tingati murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.

23. Naizvozvo zvaifanira kuti mifananidzo yezvinhu zvokudenga inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvacho zvaifanira kunatswa nechibayiro chinopfuura izvi.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 9