Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 10:9-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.

10. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.

11. Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi.

12. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari.

13. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake,

14. nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.

15. Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:

16. “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo,ndizvo zvinotaura Ishe.Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo,uye ndichainyora mundangariro dzavo.”

17. Ipapo anotizve:“Zvivi zvavo nokudarika kwavohandichatongozvirangaririzve.”

18. Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.

19. Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,

20. nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,

21. uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,

22. ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.

23. Ngatibatisisei tisingazungunuswi tariro yatinopupura, nokuti iye akapikira akatendeka.

24. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka.

25. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 10