Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 10:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe.

2. Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?

3. Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,

4. nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.

5. Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati:“Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira,asi muviri wamakandigadzirira;

6. zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivihamuna kufadzwa nazvo.

7. Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano,mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu,ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”

8. Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo” (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).

9. Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri.

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 10