4. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5. Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,Mwari waakamboti kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”kana kutizve,“Ndichava Baba vake,naiye achava Mwanakomana wangu?”
6. Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7. Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:“Anoita vatumwa vake mhepo,varanda vake mirazvo yomoto.”
8. Asi pamusoro poMwanakomana anoti:“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9. Makada kururama uye mukavenga kusarurama;naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
10. Anotizve:“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11. Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;zvichasakara zvose senguo.
12. Muchazvipeta sejasi;senguo zvichashandurwa.Asi imi munoramba makadaro,uye makore enyu haatongogumi.”
13. Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?
14. Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?