Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 1:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5. Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,Mwari waakamboti kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”kana kutizve,“Ndichava Baba vake,naiye achava Mwanakomana wangu?”

6. Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7. Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:“Anoita vatumwa vake mhepo,varanda vake mirazvo yomoto.”

8. Asi pamusoro poMwanakomana anoti:“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.

9. Makada kururama uye mukavenga kusarurama;naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”

10. Anotizve:“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.

11. Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;zvichasakara zvose senguo.

12. Muchazvipeta sejasi;senguo zvichashandurwa.Asi imi munoramba makadaro,uye makore enyu haatongogumi.”

13. Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?

14. Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?

Verenga chitsauko zvakakwana Vahebheru 1