Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vahebheru 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kristu mukuru kuVatumwa

1. Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,

2. asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.

3. Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.

4. Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5. Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,Mwari waakamboti kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”kana kutizve,“Ndichava Baba vake,naiye achava Mwanakomana wangu?”

6. Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7. Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:“Anoita vatumwa vake mhepo,varanda vake mirazvo yomoto.”

8. Asi pamusoro poMwanakomana anoti:“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.

9. Makada kururama uye mukavenga kusarurama;naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”

10. Anotizve:“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.

11. Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;zvichasakara zvose senguo.

12. Muchazvipeta sejasi;senguo zvichashandurwa.Asi imi munoramba makadaro,uye makore enyu haatongogumi.”

13. Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?

14. Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?