Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 5:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, uye murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.

2. Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku.

3. Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.

4. Imi munoedza kushayirwa mhosva nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha.

5. Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya.

6. Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.

7. Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi?

8. Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai.

9. Mbiriso shoma inovirisa bundu rose rakakanyiwa.

10. Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka, yake angava ani zvake.

11. Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.

12. Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.

13. Imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka. Asi regai kushandisa kusununguka kwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 5