Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 2:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. uye tinoziva kuti munhu haashayirwi mhosva nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tishayirwe mhosva nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu achashayirwa mhosva nokuchengeta murayiro.

17. “Kana tichitsvaka kuti tishayirwe mhosva muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku!

18. Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro.

19. Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari.

20. Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

21. Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 2