Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 1:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!

10. Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.

11. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.

12. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.

13. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.

14. Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu.

15. Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, uye akafadzwa nazvo,

16. kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu,

17. uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia uye ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.

18. Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu.

19. Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho munun'una waShe.

20. Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema.

21. Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia.

22. Ndakanga ndisingazikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu.

23. Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.”

24. Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 1