Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 1:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!

9. Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!

10. Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.

11. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.

12. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.

13. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 1