Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vagaratia 1:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu,

5. ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

6. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu uye muchitsaukira kune rimwe vhangeri,

7. risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.

8. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!

9. Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!

10. Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.

11. Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.

12. Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.

13. Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Vagaratia 1