Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 4:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremendi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.

4. Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!

5. Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ari pedyo.

6. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvonga, isai zvikumbiro kuna Mwari.

7. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 4