Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 4:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

14. Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.

15. Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;

16. nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.

17. Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.

18. Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhito chipo chamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.

19. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

20. Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

21. Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 4