Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 2:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.

21. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.

22. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.

23. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.

24. Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.

25. Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhito, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azoona nezvokushayiwa kwangu.

26. Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 2