Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 2:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kana muine kurudziro inobva pakubata naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi,

2. ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.

3. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.

4. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo.

5. Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:

6. Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,

7. asi akazviita chinhu pasina,akatora chimiro chomuranda chaiye,akaitwa somunhu.

8. Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa,kunyange rufu pamuchinjikwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 2