Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 1:9-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,

10. kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,

11. muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.

12. Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri.

13. Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wose nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu.

14. Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.

15. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka.

16. Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri.

17. Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani.

18. Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara.Hongu, uye ndicharamba ndichifara,

19. nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.

20. Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, hungava upenyu kana rufu.

21. Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 1