Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vafiripi 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu,Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:

2. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu.

3. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.

4. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro

5. nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,

Verenga chitsauko zvakakwana Vafiripi 1