1. Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu,Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:
2. Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu.
3. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.
4. Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro