Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 5:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza

9. (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)

10. uye muzive zvinofadza Ishe.

11. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

12. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.

13. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,

14. nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:“Muka, iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.”

15. Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,

16. muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

17. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.

18. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 5