Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa

2. uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuwira uye sechibayiro kuna Mwari.

3. Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.

4. Uye kufunga kusina maturo, nokutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.

5. Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.

6. Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro paavo vasingateereri.

7. Naizvozvo musashamwaridzana navo.

8. Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza

9. (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)

10. uye muzive zvinofadza Ishe.

11. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

12. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.

13. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,

14. nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:“Muka, iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.”

15. Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,

16. muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

17. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.

18. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.

19. Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,

20. muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

21. Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu.

Vakadzi naVarume

22. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.

23. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.

24. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.

25. Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo

26. kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,

27. uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.

28. Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.

29. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,

30. nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.

31. “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.”

32. Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke.

33. Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.