Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vaefeso 5:11-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

12. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.

13. Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,

14. nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:“Muka, iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.”

15. Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,

16. muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

17. Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.

18. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.

19. Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,

20. muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

21. Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu.

22. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.

23. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.

24. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.

25. Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo

26. kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,

27. uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vaefeso 5